Mhinduro kumubvunzo uyu yakaoma. Kune vamwe vanhu, zvingasava zvakachenjera kubuda pachena kunachiremba wako, kunyanya munyika dzisingape kodzero ku LGBT kana dzisina mitemo inosungira vanachiremba kusavhundunyura zvakavanzika.
Zvisinei, kana tikakwanisa kuvimba nevarapi vedu, ivo vachakwanisa kutibata zviri nani. Kutaura navo pamusoro pehutano hwako hwepabonde, zvepabonde, nemhando dzesarudzo yako dzepabonde zvoita kuti vaite ongororo dzinokodzerana newe.
Tonderai kuti munekodzero yokubatwa zvakanaka nachiremba zvakasununguka uye zvisina kunyadziswa. Kana chiremba akedza kukutaura mazwi anozvidza kana kutuka sarudzo netsika dzenyu dzepabonde muzivisei zvakanyorova nokumubudira pachena kuti chamakasununguka kutaura nezvacho mishonga yamafambira chete.
Tarisa video iyi yeminuti imwechete kubva kuneve Greater Than AIDS kuti munzwe zvakawanda. (Link iyi inokuendesai kuchinyorwa chizere chechirungu)